Zvinovaraidza kuita munguva yezhizha muZimbabwe
Nguva yezhizha inguva inofarirwa zvikuru munyika yeZimbabwe nevakuru nevadiki. Ndiyo nguva yegore inonaya mvura nekudyarwa mbeu dzakasiyana munyika. Ndiyozve nguva inofarirwa nevanhu nezvisikwa zvesango nekuti kunze kunenge kuine hupenyu hutsva kubva muzuva rechirimo.
Nguva yezhizha ndiyo nguva inoitwa zviitiko zvakawanda zvinovaraidza nekufadza, zvinoitwa vanhu pavanenge vambozorora kubva kumabasa avo akasiyana siyana mumadhorobha nemumaruwa.Zvimwe zvezviitiko izvi zvinogona kuitirwa mudzimba kana pamba kana kutoti munhu afambe kana kushanya kune dzimwe nzvimbo.
Home Activities
Zvinoitirwa pamba zvinosanganisira kuruka, kuveza, kusona zvichidaro. Zvekufamba kana kushanya zvinoti kutasanudza makumbo uchitenderera hako munharaunda,kuenda musango kundogutsa meso uchingoona zvisikwa zvenyika.
Tourism
Unogonazve kushanyira nzvimbo dzinoyevedza,kunoraura kana kuredza hove,kuumba kana kuveza zviumbwa kana mifananidzo, kuruka zvirukwa,nekushanyira nzvimbo dzinoratidzirwa zvirimwa zvinobva kuvarimi kumashogiraundi. Uku ndikokunoitakuti vemumadhorobha vaonewo zvinhu zvinorimwa kumaruwa.
Different tourist places
Zimbabwe inyika ine nzvimbo dzakawanda dzinovaraidza dzinosanganisira makomo, nzizi, mapako shiri nemhuka kusanganisira zvimwewo zvakawanda zvandisingapedze kudoma. Vakuru nevadiki vanoshanya vachinoona nzvimbo idzi nguva yezhizha. Mukufamba nekushanya uku vazhinji vanofadzwa nekuyeverwa nemhando dzeshiri dzesango dzinenge dzakaisa matendere adzo mumiti yakapfumvura. Vanotora mifananidzo yeshiri dzakasiyana siyana. Izvi zvinofadza chaizvo avo vanoyeverwa nekuona mhando dzeshiri nemaramiro adzo.
Natural forests
Miti yesango nehuswa munguva yezhizha zvinoburitsa runako rwenharaunda zvichiratidza kunaka kwebasa rekusika kwamwari. Vanhu vanobva mumadhorobha kuuya kumaruwa kuzongofamba nemasango vachiyemura kunaka kwenharaunda isina kukanganiswa nemabasa emunhu vachiona shiri nemhuka.
Vamwe vanhu vanenge vaine mari yavo vanofarira kushanyira nzvimbo dzine makurumbira munyika dzakaita se Victoria Falls Hwange Game Reserve, Mukuwisi woodlands nedzimwewo dzakatekeshera nenyika. Vanoenda vachinoona mhuka, mafashamo emvura,makomo nezvitubu zvemvura inodziya zvinowanikwa mmunyika,Vamwewo vanovaraidza nguva yavo vachishanyira ma museum anowanikwa mumadhorobha emuno.
Grass harvesting
Munguva yezhizha munowanikwa zvakare dzimwe mhando dzehuswa hwakaitase tsinde. Vanhu vatora tsinde vachiruka nguwani kana kuti heti. Zhizha ndonguva zvakare inowanikwa vanhu vachiruka tambo nekugadzira nhava kana manyatera emakavi. Vakuru nevadiki vanofadzwa zvikuru nekuruka mabhasiki netsero kana tswanda kubva mutsanga. Vazhinji vanifarira kugadzira heti dzemurara.
Fruit harvesting
Michero yemusango inodiwa zvakanyanya nevanhu vakawanda vemazera ose nekuti kudya kunemutsa. Nguva yezhizha vanhu vanovaraidzika nekuenda mumasango nemumachiri emazhanje nemimwewo michero yemhando dzakasiyana munguva yezhizha.
Fishing
Kuraura hove kana kuti kuredza ndeimwe ye nzira yekuvaraidza nguva nayo. Nekuda kwekuti nzizi nemadhamu zvinenge zviine mvura zhinji muzhizha. Vana vadiki nevabva zera vanotora zvirauro zvavo vonanga kunoraura. Vamwe kunyanya vakadzi nevasikana vanoita zvekukukuzva nemasaga. Panokukuzvwa hove panofarwa zvikuru kunyanya padzinenge dzichi batika. Panenge pachiraurwa nekukukuzvwa ne vamwe unoonawo vamwe vakomana nevasikana vachituhwina mumadziva anenge akazara mvura yezhizha.
Cattle herding
Kufudza mombe ndoimwe nzira yekuvarairwa nayo kumaruwa. Vana vazhinji munguva yezhizha vanofarira kunofudza mombe. Mukufudza mombe uku pane twumitambo twunovaraidza nguva twakawanda. Kunzvimbo dzinemakomo vafudzi vemombe vanoita mutserendende paruware.
Mountain climbing
Vanotsvedza kubva kumusoro kweruware vachidzika vakagarira mashizha emuti wemunhanzva. Kusina makomo vamwe vanovarairwa nekuumba mombe dzevhu. Vanotsvaga ivhu remutapo vonyatsoumba mombe dzavo vachiisa mutwumatanga twavanogadzir nemiti. Vanoomesa mombe dzavo vozotamba vachiedzesera kudzirwisanisa.
Mopani worm harvesting
Munzvimbo dzinemiti yemupani vanhu vavarairwa nekunhonga madora. Madora kudya kunodiwa nevanhu vakawanda. Nekudaro paanobuda munguva yezhizha vanhu vanoita fararira nemasango vachienda kumadora.
Catching termites
Muzvuru munobuda ishwa zvikuru nguva yemvura. Vanhu vanofara chaizvo nguva iyi nekuti vanhu vakuru nevadiki vanomhanya kunobata ishwa. Vamwe vanoita dzekuteya nemigomo muzvuru. izvi zvinovaraidza chaizvo asi zvichiunza usavi kumba kune vanodya ishwa dzacho.
Honey harvesting
Zvimwewozve zvinovaraidza vamwe munguva yezhizha kugadzira mikoko yenyuchi nekumora huchi. Mikoko iyi inogona kuve yekugadzira kana kuti yagara yakangoitwa Kate naidzo nyuchi dzacho. Vanoita zvehuchi vanofadzwa nazvo nekuti kwavari imwewo nzira yekuwana nayo chouviri asi vachiita sevanotamba.
Poultry
Kuchengeta huku, madhakisi hanga kana hangaiwa ndizvo zvimwe zvinovaraidza vanhu panguva yavanenge vasingaende kuabasa. Dzingave huku dzenyama kana dzemazai vazhinji varikupinda mazviri nekunakidzwa nazvo.
Planting flowers
Kugadzira pachivanze nekushongedza nharaunda zvimwe zvezvinhu zvinofadza vanhu panguva yavo yekuzorora vachidyara maruva nekugadzira heji mumagadheni avo munguva yezhizha. Maruva avanodyara haatane kubata nekuti pasi panenge paripanyoro uyezve mvura inenge ichinaya.Imo muzvivanze vana vadiki vanotamba mutambo unonzi pada kana harauru. Mutambo uyu unowanzotambwa kwabva mukunaya vana vachitara nhandare yekutambira. Izvi zvinoitakuti vana vavaraidze nguva nekurodza hunyanzvi hwekushanda pamwe nevamwe.
Nhimbe ibasa runoitwa kumaruwa nevanhu vemusha wese vachubatsira vepamusha payadaidzirwa.Panobikwa doro mahewu nesadza revauya kuzibatsira. Ichi chiitiko chinofarirwa nemusha wese nekuti panodyiwa nekunwiwa. Zvinokonzerawo kuti vanhu vanogara munharaunda imwe chete vabatane mukuita chinhu chimwe.