Zvinovaraidza kuita munguva yezhizha muZimbabwe Nguva yezhizha inguva inofarirwa zvikuru munyika yeZimbabwe nevakuru nevadiki. Ndiyo nguva yegore inonaya mvura nekudyarwa mbeu dzakasiyana munyika. Ndiyozve nguva inofarirwa nevanhu nezvisikwa zvesango nekuti kunze kunenge kuine hupenyu hutsva kubva muzuva rechirimo. Nguva yezhizha ndiyo nguva inoitwa zviitiko zvakawanda zvinovaraidza nekufadza, zvinoitwa vanhu pavanenge vambozorora kubva kumabasa avo […]
